Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 6:1-7

Joshua 6:1-7 SNA2002

(Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.) Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare. Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.” Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, “Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.” Akati kuvanhu, “Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.”

Verenga chikamu Joshua 6