Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, “Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.” Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi poutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
Verenga chikamu Joshua 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 2:4-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo