Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, “Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mosesi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi‐bharinea. Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi‐bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini. Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. Mosesi akapika nomusi uyo, akati, ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’ Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda. Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.”
Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake. Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomwoyo wake wose. Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati‐aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.