Joshua 10:7-14
Joshua 10:7-14 SNA2002
Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.” Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari. Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti‐horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha. Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.

