Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.”
Verenga chikamu Joshua 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 10:11-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo