Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:31-34

Johani 8:31-34 SNA2002

Zvino Jesu akati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda, “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva chokwadi, nechokwadi chichakusunungurai.” Vakamupindura, vakati, “Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti, ‘Muchasunungurwa?’ ” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoita zvivi, ndiye muranda wezvivi.

Verenga chikamu Johani 8

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 8:31-34