Ndini chingwa choupenyu.
“Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
“Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”