Nokuti baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda kuraramisa. Nokuti nababa havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi nababa, vakamutuma.
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anonzwa shoko rangu, nokutenda akandituma, ano upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi abva murufu, aenda muupenyu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, nguva inouya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa izwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama. Nokuti baba sezvavano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana, kuti ave noupenyu maari. Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu.
“Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa izwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.
“Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma.