Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 5:2-6

Johani 5:2-6 SNA2002

Zvino kuJerusaremu pedyo nesuo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Bhetisaidha nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu. Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakaonyana, [vaigarira kubvongodzwa kwemvura. Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo aitanga kupinda mumvura yabvongodzwa aiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.] Zvino kwaivapo mumwe munhu, akanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere. Jesu akati aona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti akanga akadaro nguva refu, akati kwaari, “Unoda kuporeswa here?”

Verenga chikamu Johani 5