Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:7-10

Johani 4:7-10 SNA2002

Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.”

Verenga chikamu Johani 4