Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:19-24

Johani 4:19-24 SNA2002

Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.” Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.”

Verenga chikamu Johani 4