Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 4:1-13

Johani 4:1-13 SNA2002

Zvino Ishe akati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu akaita nokubhabhatidza vadzidzi kupfuura Johani, kunyange Jesu akanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake, akabva Judhea, akaendazve Gariria. Akanga achifanira kupfuura neSamaria. Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa. Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu. Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.” Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.” Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko? Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve.

Verenga chikamu Johani 4