Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.”
Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?”
Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.”
Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.
“Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga?
“Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.”
Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo, kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi.
Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.