Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!” Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe. Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.” Zvino akati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. Avo, vanoregerera zvivi zvavo, varegererwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”
Verenga chikamu Johani 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 20:19-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo