Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 2:13-22

Johani 2:13-22 SNA2002

Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yababa vangu imba yokutengesera.” Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Putsai temberi iyi, ini ndichaimutsazve namazuva matatu.” Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?” Asi iye akanga achireva temberi yomuviri wake. Zvino akati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka, kuti akanga areva izvozvo; vakatenda Rugwaro neshoko rakanga rarehwa naJesu.

Verenga chikamu Johani 2