Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.
Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?”
Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo.
Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.”
Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.”
Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi.
Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?”
Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro.
Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose.
Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.”
Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto.
Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake. Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
“Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.”
Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?”
Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?”