Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:1-12

Johani 18:1-12 SNA2002

Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo. Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?” Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo. Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.” Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi. Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?” Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga

Verenga chikamu Johani 18