Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 17:6-19

Johani 17:6-19 SNA2002

“Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu. Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi. “Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi ivo vamakandipa, nokuti ndivo venyu. Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari. Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu. Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike. Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. “Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi.

Verenga chikamu Johani 17

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 17:6-19