Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. “Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa; pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni; pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare. “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino. “Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo.
Verenga chikamu Johani 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 16:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo