Asi zvino ndinoenda kune akandituma; hakuna mumwe wenyu anondibvunza, achiti, ‘Munoendepiko?’ Asi zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi. Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. “Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa; pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri; pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni; pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare. “Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino. “Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya. Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo. Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo.
Verenga chikamu Johani 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 16:5-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo