Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’ “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro. “Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika. Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu. “Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
Verenga chikamu Johani 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 16:19-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo