“Ndini mudzambiringa wechokwadi, baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero. Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri. Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. “Ini ndiri mudzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve. Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa.
Verenga chikamu Johani 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 15:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo