“Ndini mudzambiringa wechokwadi, baba vangu murimi. Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero. Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri. Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri.
“Ini ndiri mudzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve. Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa. Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu. Baba sezvavakandida, neni ndakakudai; garai murudo rwangu. Kana muchichengeta mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirayiro yababa vangu, ndichigara murudo rwavo.
“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.