“Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri. “Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri. Zvino ndakuudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika anouya; asi haana chinhu kwandiri; asi izvi zvinoitika kuti nyika izive kuti ndinoda baba, uye kuti sezvandakarairwa nababa, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.
Verenga chikamu Johani 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 14:25-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo