“Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. “Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari.
Verenga chikamu Johani 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 14:15-23
3 Mazuva
Heano mashoko anopa kunyaradzwa kunopenya nechiedza munzira dzevatendi vose. Jesu anovimbisa nezve kugadzirwa kwenzvimbo dzekugara, nekududzira kuti iye ndiye nzira, chokwadi neupenyu, nekuvimbisa Mweya Mutsvene uyo unopa kuzorodza nekutungamirirwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pakutendeka sechiratidzo cherudo kunotsanagura ukama hwedu naMwari.
2 Weeks
Jesus Himself said anyone who loves Him will obey His teaching. No matter what it costs us personally, our obedience matters to God. The "Obedience" reading plan walks through what the Scriptures say about obedience: How to maintain a mindset of integrity, the role of mercy, how obeying frees us and blesses our lives, and more.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo