Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12

12
Maria anozodza tsoka dzaJesu namafuta
(Mateu 26:6-13; Mako 14:3-9)
1Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa. 2Vakamuitirapo chirariro; Marita akavashandira; naRazaro akanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. 3Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. 4Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikarioti akanga achazomupandukira, akati, 5“Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” 6Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.
7Asi Jesu akati, “Muregei, azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu. 8Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.”
9Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. 10Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, 11nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.
Jesu anogamuchirwa paJerusaremu
(Mateu 21:1-11; Mako 11:1-11; Ruka 19:28-40)
12Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu auya Jerusaremu, 13vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.”
14Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, 15“Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.”
16Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo.
17Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura.
18Saka vazhinji vakamuchingamidzawo, nokuti vakanga vanzwa, kuti akaita chiratidzo ichocho. 19Ipapo vaFarisi vakataurirana, vachiti, “Munoona henyu kuti hamugoni chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.”
Jesu anovaudza zvorufu rwake nokukudzwa kwake
20Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako; 21ivo vakauya kuna Firipi weBhetisaidha reGariria, vakakumbira kwaari, vachiti, “Ishe, tinoda kuona Jesu.”
22Firipi akaenda, akandoudza Andireya; Andireya akaenda naFiripi, vakandoudza Jesu.
23Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. 24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. 25Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi. 26Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza.
27“Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandauyira panguva ino. 28Baba, kudzai zita renyu.” Ipapo izwi rakauya, richibva kudenga, richiti, “Ndatorikudza, ndicharikudzazve.”
29Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati, “Kwatinhira.” Vamwe vakati, “Mutumwa ataura naye.”
30Jesu akapindura, akati, “Izwi iri harina kuuya nokuda kwangu asi nokuda kwenyu. 31Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. 32Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.” 33Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.
34Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vakati, “Isu takanzwa pamurayiro kuti Kristu uchagara aokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?”
35Ipapo Jesu akati kwavari, “Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; anofamba murima haazivi kwaanoenda.
36“Muchine chiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza.”
Jesu akareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari. 37Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari; 38kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti,
“Ishe, ndianiko akatenda chavakanzwa kwatiri?
Noruoko rwaIshe rwakaratidzwa kuna aniko?”
39Saka vakanga vasingagoni kutenda,
nokuti Isaya akatizve,
40“Akapofumadza meso avo,
akaomesa mwoyo yavo;
Kuti varege kuona nameso avo,
nokunzwisisa nemwoyo yavo,
Vadzoke
Ndivaporese.”
41Isaya akareva izvozvi, nokuti akaona kubwinya kwake; akamureva iye.
42Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamureururi nokuda kwavaFarisi, kuti varege kubudiswa musinagoge; 43nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari.
44Zvino Jesu akadana, akati, “Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune akandituma. 45Anondiona, anoona akandituma. 46Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima. 47Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika. 48Anondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, anomumwe, anomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
49“Nokuti handina kureva pachangu, asi baba, vakandituma, ndivo vakandipa murayiro, zvandichareva nezvandichataura. 50Ndinoziva kuti murayiro wavo ndihwo upenyu husingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa nababa.”

Zvasarudzwa nguva ino

Johani 12: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda