Mumwe munhu wakanga achirwara, ainzi Razaro weBhetania, musha waMaria nomukoma wake Marita.
Ndiye Maria uya, akazodza Ishe namafuta, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, akanga achirwara.
Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti, “Ishe, tarirai uyo anodikanwa nemi anorwara.”
Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.”
Jesu akanga achida Marita, nomun'un'una wake, naRazaro.
Zvino akati anzwa kuti anorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake, “Hendeizve Judhea.”
Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?”
Jesu akapindura, akati, “Nguva hadzisi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.” Ndizvozvo zvaakareva, akazoti kwavari, “Razaro, hama yedu, avata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.”
Zvino vadzidzi vakati kwaari, “Ishe, kana achivata, achanaya.”
Jesu akanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti anoreva kuvata hope. Ipapo Jesu akavaudza pachena, “Razaro afa. Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.”
Ipapo Tomasi, ainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi, “Hendei nesuo, kuti tindofa naye.”
Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo.
Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.”
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama.
“Mumwe nomumwe ari mupenyu, anotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?”
Akati kwaari, “Hongu, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo ainzi anouya panyika.”
Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.”
Iye akati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Zvino Jesu akanga asati asvika pamusha, asi akanga achiri paya paakachingamidzwa naMarita.) Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.
Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati, “Mamuisepiko?” Vakati kwaari, “Ishe, uyai muone.”
Jesu akachema misodzi.
Ipapo vaJudha vakati, “Tarirai, aimuda sei!”
Asi vamwe vavo vakati, “Uyu akasvinudza meso ebofu, haasaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here?”
Ipapo Jesu akafazve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro. Jesu akati, “Bvisai ibwe!” Marita, hanzvadzi yoakafa, akati kwaari, “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti ava namazuva mana okufa kwake.”
Jesu akati kwaari, “Handina kukuudza here, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Ipapo vakabvisa ibwe. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati, “Baba, ndinovongai, nokuti mandinzwa. Asi ndakanga ndichiziva, kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.”
Akati areva izvozvo, akadanidzira nezwi guru, akati, “Razaro, buda!”
Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomubwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”
Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vauya kuna Maria, vakati vaona zvaaita, vakatenda kwaari. Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakandovaudza zvakanga zvaitwa naJesu.
Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisi vakaunganidza makurukota, vakati, “Todiniko? Nokuti uyu anoita zviratidzo zvizhinji. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.”
Zvino mumwe wavo, Kaifasi, akanga ari mupristi mukuru gore iro, akati kwavari, “Hamuzivi chinhu, imi, uye hamurangariri kuti zviri nani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.” Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari mupristi mukuru gore iro, akaporofita kuti Jesu aifanira kufira rudzi; rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aunganidze pamwechete vana vaMwari vakapararira.
Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuuraye.
Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi akabvapo, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efuremu; akagarako navadzidzi vake.
Zvino Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusaremu, Pasika isati yasvika, kuti vazvinatse. Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutemberi, vachiti, “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?” Zvino vapristi vakuru navaFarisi vakanga varayira, kuti, ani naani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.