Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:1-16

Johani 11:1-16 SNA2002

Mumwe munhu wakanga achirwara, ainzi Razaro weBhetania, musha waMaria nomukoma wake Marita. Ndiye Maria uya, akazodza Ishe namafuta, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, akanga achirwara. Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti, “Ishe, tarirai uyo anodikanwa nemi anorwara.” Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.” Jesu akanga achida Marita, nomun'un'una wake, naRazaro. Zvino akati anzwa kuti anorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake, “Hendeizve Judhea.” Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?” Jesu akapindura, akati, “Nguva hadzisi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.” Ndizvozvo zvaakareva, akazoti kwavari, “Razaro, hama yedu, avata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” Zvino vadzidzi vakati kwaari, “Ishe, kana achivata, achanaya.” Jesu akanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti anoreva kuvata hope. Ipapo Jesu akavaudza pachena, “Razaro afa. Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.” Ipapo Tomasi, ainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi, “Hendei nesuo, kuti tindofa naye.”

Verenga chikamu Johani 11