Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo. Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai. Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze. Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake. Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.”
Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.
Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
“Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda.
“Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.