Jeremiya 51
51
1Zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi navagere Rebhikamai mhepo inoparadza. 2Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose. 3Mupfuri ngaapfure nohuta hwake ani naani unopfura nohuta nounozvisimudza ane nguo dzake dzokurwa, regai kunzwira tsitsi majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose. 4Vachawira pasi vaurawa panyika yavaKaradhea, vabayiwa munzira dzaro. 5Nokuti Isiraeri naJudha havana kurashwa naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva pamberi poMutsvene waIsiraeri.
6“Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese hupenyu hwake; regai kuparadzwa mukati mezvakaipa zvaro, nokuti inguva yokutsiva kwaJehovha, iye uchariripidzira. 7Bhabhironi wakanga uri mukombe wendarama muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga. 8Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa; wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora. 9Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake, nokuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.
10“Jehovha wakaratidza kururama kwedu; uyai, tiparidze paZioni basa raJehovha Mwari wedu.
11“Rodzai miseve, batisai nhoo! Jehovha wakamutsa mweya yamadzimambo avaMedhia, nokuti murangariro wake ndowokuparadza Bhabhironi, nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha, iko kutsiva kwetemberi yake.
12“Simudzirai masvingo eBhabhironi mureza, simbisai varindi, isaipo nharirire, gadzirai vanovandira, nokuti Jehovha wakafunga nokuita zvaakataura pamusoro pavagere Bhabhironi. 13Iwe ugere pamvura zhinji, une pfuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera. 14Jehovha wehondo wakapika naiye amene, achiti, ‘Zvirokwazvo ndichakuzadza navanhu semhashu, ivo vachakupururudzira.’
15“Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
16“Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.
17“Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri. 18Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera. 19Mugove waJakobho haufanani naizvozvi, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
20“Iwe uri nyundo yangu nenhumbi dzangu dzokurwa; newe ndichaputsanya marudzi avanhu; newe ndichaparadza ushe; 21newe ndichaputsanya bhiza nomutasvi waro; newe ndichaputsanya ngoro nounofamba nayo; 22newe ndichaputsanya murume nomukadzi; newe ndichaputsanya mutana nomuduku; newe ndichaputsanya mujaya nemhandara; 23newe ndichaputsanya murimi nenzombe dzake mbiri; newe ndichaputsanya vabati navakuru.
24“Ndicharipidzira Bhabhironi navose vagere Karadhea zvakaipa zvavo zvose zvavakaita Zioni pamberi penyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
25“Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva. 26Havangatori kwauri ibwe rekona, kana ibwe renheyo; asi uchava dongo nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
27“Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pamarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai ushe hweArarati neMini neAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, uyisai mabhiza semhashu dzinoparadza. 28Gadzirai marudzi kuzorwa naro, iwo madzimambo avaMedhia, navabati vavo, navakuru vavo vose, nenyika yose yavakabata. 29Nyika inodedera nokurwadziwa; nokuti zvakafunga Jehovha kuitira Bhabhironi zvakasimba, kuti aite nyika yeBhabhironi dongo, isina unogaramo.
30“Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa, vakarambira munhare dzavo, simba ravo rakapera, vava savakadzi; vakapisa dzimba dzaro, zvipfigiso zvaro zvakavhuniwa.
31“Imwe nhume ichamhanya kundosangana neimwe, mumwe wakatumwa kundosangana nomumwe, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa kumativi ose. 32Uye kuti mazambuko abatwa, kuti mapani eshanga apiswa nomoto, kuti varwi vavhunduswa.
33“Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.’ ” 34“Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu, wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.”
35Ugere Zioni uchati, “Zvakaipa zvandakaitirwa ini nenyama yangu ngazvive pamusoro peBhabhironi;” Jerusaremu richati, “Ropa rangu ngarive pamusoro pavagere Karadhea.”
36Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Tarira, ndichakureverera mhaka yako, ndichakutsiva; ndichapwisa gungwa raro, ndichaomesa tsime raro. 37Bhabhironi richaitwa mirwi yamabwe, hugaro hwamakava, chinhu chinoshamisa, chinoridzirwa muridzo, pasina unogaramo. 38Vachaomba pamwechete savana veshumba, vachaganya savana veshumba. 39Kana vamutswa mwoyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
40“Ndichavaburusira kwavanondobayiwa samakwaiana, samakondobwe pamwechete nenhongo.
41“Sheshaki rakundwa sei! Guta rairumbidzwa nenyika yose rapindwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi! 42Gungwa rakwira rasvika Bhabhironi, rafukidzwa namafungu aro mazhinji. 43Maguta aro ava matongo, nyika yakaoma nerenje, nenyika musingagari munhu, hakuna Mwanakomana womunhu unopfuura napo. 44Ndichatonga Bheri paBhabhironi, ndichabudisa mumuromo make chaakanga amedza, marudzi avanhu haachazovangiri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rwaBhabhironi ruchawa.
45“Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha. 46Mwoyo yenyu irege kuora, musatya guhuzve nerimwe gore shure kwaizvozvo; panyika vachaitirana simba, mubati mumwe achirwa nomumwe. 47Naizvozvo tarirai, mazuva anouya andichatonga mifananidzo yakavezwa yaBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, vakaurawa varo vose vachawira pasi mukati maro.
48“Ipapo denga nenyika nezvose zviri mukati mazvo zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vaparadzi vachauya kwariri vachibva kurutivi rwokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha. 49Imi vakaurawa vaIsiraeri, Bhabhironi rinofanira kuwawo, sezvakawira pasi paBhabhironi vakaurawa venyika yose.
50“Imi makapukunyuka pamunondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, fungai Jerusaremu pamwoyo yenyu. 51Takanyadziswa, nokuti takanzwa kushoorwa, kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha. 52Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya andichatonga mifananidzo yaro yakavezwa; vakakuvadzwa vachagomera kwose panyika yaro. 53Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, ndizvo zvinotaura Jehovha. 54Inzwai inzwi rokuchema rinobva Bhabhironi, nerokuparadzwa kukuru rinobva panyika yavaKaradhea! 55Nokuti Jehovha unoparadza Bhabhironi, uchanyaradzamo mubvumo mukuru; mafungu avo anotinhira semvura zhinji, mubvumo wamanzwi avo anonzwika.
56“Nokuti muparadzi wasvika kwariri, iko Bhabhironi, mhare dzaro dzakundwa, huta hwavo hwavhuniwa-vhuniwa; nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva, ucharipidzira zvirokwazvo. 57Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.” 58Zvanzi naJehovha wehondo, “Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
59“Ndiro shoko, rakarairwa Seraia mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, nomuporofita Jeremiya, nguva yaakaenda Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha negore rechina rokubata kwake ushe. Zvino Seraia wakanga ari murairi mukuru parwendo. 60Jeremiya akanyora mubhuku zvakaipa zvose zvaifanira kuwira Bhabhironi, iwo mashoko ose akanyorwa pamusoro peBhabhironi. 61Jeremiya akati kuna Seraia, ‘Kana wasvika Bhabhironi rangarira kuti urave mashoko awa ose.’
62“Uti, ‘Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino, kuti muchaiparadza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.’ 63Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi; 64uchiti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro; vachaneta.’ ” Ndipo panoguma mashoko aJeremiya.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 51: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002