Jeremiya 47
47
Chirevo pamusoro pavaFirisitia
1Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.
2“Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopapfuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachawungudza.’ 3Kana vachinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo; 4nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nokuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori. 5Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira riniko? 6Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira riniko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare. 7Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemhenderekedzo yegungwa, ndipo paakazviraira.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 47: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002