Jeremiya 15
15
1Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, mwoyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
2“Zvino kana vakati kwauri, ‘Tichaendepiko?’ Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nenzara, kunzara, navakafanirwa nokutapwa, kukutapwa.’ ”
3Ndichavatumira njodzi dzamarudzi mana ndizvo zvinotaura Jehovha munondo kuvauraya, nembwa kuvakwekweredza, neshiri dzokudenga nezvikara zvenyika kuvadya nokuvaparadza. 4Ndichavadzungaidza pakati poushe hwenyika, nemhaka yaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, pamusoro pezvaakaita paJerusaremu. 5“Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusaremu? Ndiani uchakuchema? Ndianiko uchatsauka kuzobvunza mufaro wako? 6Zvanzi naJehovha, ‘Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruoko rwangu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuzvidemba.’ 7Ndakavarudza nechokurudza pamasuo enyika; ndakavatorera vana vavo, ndakaparadza vanhu vangu; asi havana kudzoka panzira dzavo. 8Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
9“Iye, wakabereka vanomwe, wapera simba, wabudisa mweya wake; zuva rake rakavira achiri masikati; wakanyadziswa nokukanganiswa; vakasara vavo ndichavaurayisa nomunondo pamberi pavavengi vavo” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10Ndine nhamo mai vangu, zvakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose! Handina kupa chikwerete, navanhu havana kutora chikwerete kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose. 11Jehovha akati, “Zvirokwazvo, ndichakusimbisira zvakanaka; zvirokwazvo, ndichanyengeteresa muvengi wako kwauri nenguva yezvakaipa, uye nenguva yokutambudzika.”
12“Ko dare ringavhuniwa here, iro dare rinobva kurutivi rwokumusoro, kana ndarira here?
13“Nhumbi dzako nepfuma yako ndichazviisa kukutapwa, zvisingatengwi, nokuda kwezvivi zvako zvose pamiganho yako yose. 14Ndichakuendisa navavengi vako kunyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa nokutsamwa kwangu, uchapfuta pamusoro penyu.”
15Haiwa Jehovha, imi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vatambudzi vangu; musandibvisa pakuitira kwenyu vamwe mwoyo murefu; zivai kuti ndakatukwa nokuda kwenyu. 16Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.
17Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamwa kwenyu. 18Kurwadziwa kwangu kunorambireiko kuripo nokusingaperi, vanga rangu rinorambirei kurapwa, risingadi kupora? Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here?
19Saka zvanzi naJehovha, “Kana ukadzoka, ndichakudzosa, kuti umire pamberi pangu; kana ukatsaura zvakanaka uchizvibvisa pane zvakaipa, uchava somuromo wangu; ivo vachadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwavari. 20Ndichakuita kuna vanhu ava rusvingo rwendarira rwakasimbiswa; vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira. 21Ndichakurwira pamaoko avakaipa, nokukudzikinura pamaoko avanotyisa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 15: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002