Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 8:1-21

Vatongi 8:1-21 SNA2002

Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, “Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani?” Vakamupopotera kwazvo. Akati kwavari, “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfuremu zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbhiezeri here? Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?” Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo. Gidheoni akasvika paJorodhani, akayambuka, iye navarume vana mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteverera havo. Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu vanhu ava vanonditevera mapundu ezvingwa, nokuti vaneta; ndinoteverera Zebha naZarimuna, madzimambo aMidhiani.” Machinda eSukoti akati, “Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe hondo yako chingwa?” Gidheoni akati, “Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato.” Akabvapo, akakwira Penueri, akandotaura navo saizvozvo. Varume vePenueri vakamupindura sezvakapindura varume veSukoti. Akataurawo navarume vePenueri, akati, “Kana ndikadzoka norugare, ndichaputsa rusvingo urwu.” Zvino Zebha naZarimuna vakanga vari Karikori, vane hondo dzavo varume vane zviuru zvine gumi nezvishanu; ndivo vose vakanga vakasara pahondo yose yavana vamabvazuva; nokuti varume vane zviuru zvina makumi matatu, vaigona kurwa nomunondo, vakanga vaurawa. Gidheoni akakwira nenzira yavaigara pamatende, nokumabvazuva kweNobha neJogobheha, akakunda hondo; nokuti hondo yakanga yakafara. Ipapo Zebha naZarimuna vakatiza, iye akavateverera; akabata madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, akavhundusa hondo yose. Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidza weHeresi. Akabata jaya ravarume veSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amachinda eSukoti, navakuru varo, varume vana makumi manomwe navanomwe. Akasvika kuvarume veSukoti, akati, “Tarirai, Zebha naZarimuna, vamakandiseka pamusoro pavo, muchiti, ‘Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe varume vako vaneta chingwa?’ ” Ipapo akatora vakuru veguta, neminzwa yomurenje norukato, akapura varume veSukoti nazvo. Akaputsa rusvingo rwePenueri, akauraya varume veguta. Ipapo akati kuna Zebha naZarimuna, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?” Vakapindura, vakati, “Sezvamakaita imi, ndizvo zvavakanga vakaita ivo; mumwe nomumwe wakanga akafanana nomwana wamambo.” Akati, “Vakanga vari vanunguna vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vari vapenyu, ndingadai ndisina kukuurayai imi.” Zvino akati kuna Jeteri, dangwe rake, “Simuka, uvauraye.” Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nokuti rakatya, zvarakanga richiri mukomana. Ipapo Zebha naZarimuna vakati, “Simukai imi, mutiuraye, nokuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake.” Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.

Verenga chikamu Vatongi 8