Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:12-14

Vatongi 6:12-14 SNA2002

Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.” Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari, akati, “Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?”

Verenga chikamu Vatongi 6