Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 4

4
Dhebhora naBharaki
1Zvino shure kwokufa kwaEhudhi vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. 2Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini, mambo weKenani, wakanga achibata ushe paHazori; mukuru wehondo yake wakanga ari Sisera, wakanga agere paHarosheti ravahedheni. 3Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.
4Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga vaIsiraeri. 5Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo. 6Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, “Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, ‘Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni? 7Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.’ ”
8Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imi musingaendi neni, ini handingaendi.” 9Iye akati, “Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi.” Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki. 10Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye.
11Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMosesi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi.
12Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori. 13Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni.
14Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera. 15Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo. 16Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.
17Asi Sisera wakatiza namakumbo kutende raJaeri, mukadzi waHebheri, muKeni, nokuti kwakanga kuno rugare pakati paJabhini, mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni. 18Jaeri akabuda kundosangana naSisera, akati kwaari, “Tsaukai, ishe wangu, tsaukirai henyu kwandiri, regai kutya.” Ipapo akatsaukira kwaari mutende, akamufukidza nejira. 19Iye akati kwaari, “Ndipewo zvimvura, ndinwe, nokuti ndine nyota.” Akadziura dende romukaka, akamupa, akanwa, akamufukidza. 20Akati kwaari, “Mira pamukova wetende, zvino kana ani naani akauya akakubvunza, achiti, ‘Pano pano munhu here?’ Uti, ‘Kwete.’ ”
21Ipapo Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende, akatorawo nyundo paruoko rwake, akanatsoswedera kwaari, akarovera mbambo napachavovo chake, ikabuda neseri, ikabayira pasi, nokuti wakanga abatwa kwazvo nehope, aneta; akafa. 22Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, “Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka.” Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.
23Naizvozvo nomusi iwoyo Jehovha wakakunda Jabhini, mambo weKenani, pamberi pavana vaIsiraeri. 24Vana vaIsiraeri vakaramba vachingokunda Jabhini, mambo weKenani, kusvikira vaparadza Jabhini, mambo weKenani.

Zvasarudzwa nguva ino

Vatongi 4: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda