Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 19

19
Zvinonyangadza zvakaitwa navanhu veGibhea
1Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha. 2Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina. 3Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye. 4Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo. 5Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.”
6Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakanwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, “Tenda hako ugare usiku hwose, mwoyo wako ufare.”
7Asi murume wakasimuka, achida kubva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve. 8Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, “Simbisa mwoyo wako, ugare kusvikira zuva rovira;” vakadya vose vari vaviri.
9Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, “Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, mwoyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.”
10Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakanga anaye. 11Zvino vakati vasvika pedyo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, “Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.”
12Tenzi wake akati kwaari, “Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhea.” 13Akati kumuranda wake, “Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhea kana paRama.” 14Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedyo neGibhea, raiva guta ravaBhenjamini. 15Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhea akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
16Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhea; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini. 17Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, “Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?” 18Iye akati kwaari, “Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make. 19Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaiwa.”
20Zvino mutana akati, “Farao hako, zvose zvashaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta.” 21Ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokunwa.
22Zvino vakati vofara pamwoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, “Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.”
23Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, “Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu. 24Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda; asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.” 25Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza.
26Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo. 27Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo. 28Akati kwaari, “Simuka, tiende;” asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake. 29Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri. 30Zvino vose vakati vachizviona, vakati, “Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure.”

Zvasarudzwa nguva ino

Vatongi 19: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda