Vatongi 17
17
Mika nezvifananidzo zvake
1Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika. 2Iye akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!” 3Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, “Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.” 4Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
5Zvino murume uyu Mika wakanga ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupristi wake. 6Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
7Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakanga agerepo. 8Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika. 9Mika akati kwaari, “Wabvepiko?” Iye akati kwaari, “Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara.”
10Mika akati kwaari, “Gara neni, uve baba vangu nomupristi wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguo dzokupfeka nezvokudya zvako.” Ipapo muRevhi akapinda. 11MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake. 12Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupristi wake, akagara mumba maMika. 13Zvino Mika akati, “Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupristi wangu ari muRevhi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002