Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 2:1-13

Jakobho 2:1-13 SNA2002

Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu. Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;” ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here? Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here? Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here? Asi zvino kana muchizadzisa murayiro woushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. Asi kana muchitenda zvinoonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurayiro, muchinzi vadariki. Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose. Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa. Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunoasina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.

Verenga chikamu Jakobho 2