Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:2-6

Jakobho 1:2-6 SNA2002

Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu. Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa.

Verenga chikamu Jakobho 1