Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:2-12

Jakobho 1:2-12 SNA2002

Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu. Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achazowana chinhu kuna Ishe; munhu, ane mwoyo miviri, anoshandukashanduka panzira dzake dzose. Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake; nomupfumi nokuninipiswa kwake, nokuti achapfuura seruva rouswa. Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake. Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda.

Verenga chikamu Jakobho 1