Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 58:6-11

Isaya 58:6-11 SNA2002

“Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here? Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noaenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here? “Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, ‘Ndiripano.’ Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa; kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati; Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.

Verenga chikamu Isaya 58