Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 53:3-12

Isaya 53:3-12 SNA2002

Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza. Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa, kunyange zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu. Vakamupa bwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyange asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake. Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo. Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyange zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.

Verenga chikamu Isaya 53