Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 49:8-12

Isaya 49:8-12 SNA2002

Zvanzi naJehovha, “Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa; kuti uti kuna vakasungwa, ‘Budai;’ nokuna vagere murima, ‘Zviratidzei.’ Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura. Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa. Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.”

Verenga chikamu Isaya 49