Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsiraeri, “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa! Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.” Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nezwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, “Jehovha akadzikinura muranda wake Jakobho.” Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka. Zvanzi naJehovha, “Vakaipa havana rugare.”
Verenga chikamu Isaya 48
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 48:17-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo