Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 39

39
Nhume dzinobva Bhabhironi dzinoshanyira Hezekia
1Zvino nenguva iyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve. 2Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia. 3Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, “Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi?” Hezekia akati, “Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.”
4Ipapo akati, “Vakaonei mumba mako?” Hezekia akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”
5Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha wehondo, 6‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. 7Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.”
8Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro.” Akatiwo, “Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 39: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda