Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 35:3-10

Isaya 35:3-10 SNA2002

Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera. Iti kuna vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.” Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba; nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe. Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, “Nzira youtsvene;” ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki. Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikinurwa ndivo vachafambapo; vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.

Verenga chikamu Isaya 35