Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 20

20
VaAsiria vachakunda Ijipiti neItiopia
1Negore rokusvika kwaTaritani paAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akarwa neAshidhodhi nokurikunda; 2nenguva iyo Jehovha akataura naIsaya mwanakomana waAmozi, achiti, “Enda, undosunungura gudza riri pazviuno zvako, ubvise shangu yako parutsoka rwako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asine nguo, asine shangu. 3Zvino Jehovha akati, “Muranda wangu Isaya sezvaakafamba asine nguo asine shangu makore matatu akava chiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neItiopia; 4saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti navakadzingwa veItiopia, vaduku navakuru, vasina nguo vasina shangu, vakafukurwa zviuno, chive chinyadzo cheIjipiti. 5Vachavhunduswa nokunyadziswa pamusoro peItiopia, chivimbo chavo, neIjipiti rumbidzo yavo.
6“Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, ‘Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 20: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda