Isaya 18
18
1Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia; 2inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, “Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.
3“Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!” 4Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, “Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa.” 5Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka dzambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema. 6Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo.
7Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 18: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002