Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika. Nokuti tabhenakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene. Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga pane tabhenakeri yainzi Patsvene-tsvene; pakanga pane ndiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga mune hari yendarama, yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakadeya kutungira, namahwendefa esungano; pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatidza chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwechimwe zvino.
Verenga chikamu VaHebheru 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 9:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo