Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakukwaniswa, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka pamabasa akafa, nedzokutenda kuna Mwari, nedzedzidziso yokubhabhatidza, nedzokuisa maoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi. Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.
Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inouya, kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendeuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka miriwo yakafanirawo avo vainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMwari; asi kana ikabereka minzwa norukato, inorakashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
Asi vadikanwi, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa. Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, angakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino. Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma. Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.